4. Uturu hwavo hwakaita souturu hwenyoka, vakafanana nemhakure yadzivira nzeve dzayo,
5. isingateereri maimbiro en'anga kunyange zvazvo achiimba nouchenjeri hukuru.
6. Vhunai mazino mumiromo yavo, imi Mwari; bvisai, imi Jehovha, mazino marefu eshumba!
7. Ngavatsakatike semvura yapera kuerera; pavanowembura uta, miseve yavo ngaigomare.
8. Vafanane nehozhwa inonyakatika painofamba, kufanana negambemwedzi, ngavarege kuona zuva.
9. Hari dzenyu dzisati dzanzwa kupisa kweminzwa pamoto, ingava minyoro kana yakaoma, vakaipa vachakukurwa.