Mapisarema 58:4-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Uturu hwavo hwakaita souturu hwenyoka, vakafanana nemhakure yadzivira nzeve dzayo,

5. isingateereri maimbiro en'anga kunyange zvazvo achiimba nouchenjeri hukuru.

6. Vhunai mazino mumiromo yavo, imi Mwari; bvisai, imi Jehovha, mazino marefu eshumba!

7. Ngavatsakatike semvura yapera kuerera; pavanowembura uta, miseve yavo ngaigomare.

8. Vafanane nehozhwa inonyakatika painofamba, kufanana negambemwedzi, ngavarege kuona zuva.

9. Hari dzenyu dzisati dzanzwa kupisa kweminzwa pamoto, ingava minyoro kana yakaoma, vakaipa vachakukurwa.

Mapisarema 58