Mapisarema 56:10-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Jehovha, ane shoko randinorumbidza,

11. muna Mwari ndinovimba; handichazotyi chinhu. Ko, munhu angandiitei?

12. Ndinosungwa nemhiko kwamuri, imi Mwari; ndichakuvigirai zvipo zvangu zvokuvonga.

13. Nokuti makandirwira parufu, uye netsoka dzangu pakugumburwa, kuti ndifambe pamberi penyu muchiedza choupenyu.

Mapisarema 56