Mapisarema 56:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndinzwirei ngoni, imi Mwari, nokuti vanhu vanondidzinganisa nehasha; zuva rose vanorwa neni.

2. Vavengi vangu vanondidzinganisa zuva rose; vazhinji vanorwa neni mukuzvikudza kwavo.

3. Pandinenge ndotya, ndichavimba nemi.

4. Muna Mwari, iye ane shoko randinorumbidza, muna Mwari ndinovimba; handichazotyi. Ko, munhu anofa angandiitei?

5. Zuva rose vanomonyorora mashoko angu; vanogara vachirangana kundikuvadza.

6. Vanorangana, vanovandira, vanocherechedza mafambiro angu, vachishuva kundiuraya.

7. Ngavasapukunyuka savasina mhaka; koromorerai ndudzi pasi mukutsamwa kwenyu imi Mwari.

8. Nyorai kuchema kwangu; isai misodzi yangu parugwaro rwenyu, ko, hazvina kuiswa muzvinyorwa zvenyu here?

Mapisarema 56