Mapisarema 55:19-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Mwari, agere pachigaro choushe nokusingaperi, achavanzwa agovaninipisa, Sera ivo vanhu vasingamboshanduri nzira dzavo, uye vasingatyi Mwari.

20. Mumwe wangu anorova shamwari dzake; anoputsa sungano yake.

21. Mutauro wake unotsvedzerera samafuta, asi kurwa kuri mumwoyo make; mashoko ake anopfavisa kukunda mafuta, asi minondo yakavhomorwa.

22. Kanda kufunganya kwako pana Jehovha uye iye achakusimbisa; haazombotenderi vakarurama kuti vawire pasi.

Mapisarema 55