Mapisarema 55:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Rerekerai nzeve yenyu kumunyengetero wangu, imi Mwari; regai kushaya hanya nokukumbira kwangu;

2. ndinzwei, uye ndipindureiwo. Pfungwa dzangu dzinondinetsa uye ndiri kushushikana,

3. pandinonzwa inzwi romuvengi wangu, pandinodzvokorwa navakaipa; nokuti vanodururira matambudziko pamusoro pangu, uye vanondituka mukutsamwa kwavo.

4. Mwoyo wangu unorwadziwa mukati mangu; kutyisa kworufu kunondiwira.

5. Kutya nokudedera zvakandibata; kutya kukuru kwakandifukidza.

6. Ini ndakati, “Haiwa, dai ndina mapapiro enjiva! Ndaibhururukira kure ndikandozorora hangu,

7. ndaitizira kure kwazvo, ndikandogara mugwenga; Sera

8. ndaikurumidza kundovanda panzvimbo yangu, kure nemafungu nedutu.”

9. Nyonganisai vakaipa, imi Ishe, kanganisai mutauro wavo, nokuti ndinoona mhirizhonga nokurwa muguta.

Mapisarema 55