Mapisarema 52:4-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Unoda shoko rimwe nerimwe rinoparadza, iwe rurimi runonyengera!

5. Zvirokwazvo Mwari achakuburutsira kukuparadzwa kusingaperi: Achakubvuta agokubvisa mutende rako; achakudzura kubva munyika yavapenyu. Sera

6. Vakarurama vachazviona uye vachatya; vachamuseka vachiti,

7. “Houno zvino munhu asina kuita Mwari nhare yake, asi aivimba nepfuma yake zhinji, uye aisimba nokuparadza vamwe!”

Mapisarema 52