Mapisarema 48:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa kwazvo, muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene.

2. Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wenyika yose. Sokumusoro-soro kweZafoni, ndizvo zvakaita Gomo reZioni, guta raMambo Mukuru.

3. Mwari ari munhare dzaro; akazviratidza kwariri kuti ndiye nharirire yaro.

4. Madzimambo akati abatanidza mauto, vakati vafamba pamwe chete kundorwa,

5. vakariona vakashamiswa; vakatiza nokutya.

6. Vakabatwa nokudedera ipapo, nokurwadziwa sokwomukadzi wosununguka.

Mapisarema 48