Mapisarema 44:21-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

21. Mwari haaizviziva here, sezvo achiziva zvakavanzika zvomwoyo?

22. Asi nokuda kwenyu takatarisana norufu zuva rose; tinotorwa samakwai anobayiwa.

23. Mukai, imi Ishe! Munovatireiko? Zvisimudzei! Regai kutiramba nokusingaperi.

24. Ko, munovanzirei chiso chenyu muchikanganwa kutambudzika nokudzvinyirirwa kwedu?

25. Takawisirwa muguruva; miviri yedu inonamatira pavhu.

26. Simukai mutibatsire; tidzikinurei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.

Mapisarema 44