Mapisarema 44:19-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

19. Asi makatipwanya mukatiita nzvimbo yamakava uye mukatifukidza nerima guru.

20. Dai takanga takanganwa zita raMwari wedu, kana kutambanudzira maoko edu kuna mwari wavatorwa,

21. Mwari haaizviziva here, sezvo achiziva zvakavanzika zvomwoyo?

22. Asi nokuda kwenyu takatarisana norufu zuva rose; tinotorwa samakwai anobayiwa.

23. Mukai, imi Ishe! Munovatireiko? Zvisimudzei! Regai kutiramba nokusingaperi.

24. Ko, munovanzirei chiso chenyu muchikanganwa kutambudzika nokudzvinyirirwa kwedu?

25. Takawisirwa muguruva; miviri yedu inonamatira pavhu.

Mapisarema 44