Mapisarema 41:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Akaropafadzwa uyo ane hanya navasina simba; Jehovha anomurwira panguva dzokutambudzika.

2. Jehovha achamudzivirira uye achachengetedza upenyu hwake; achamuropafadza panyika uye haangamuisi kuchido chavavengi vake.

3. Jehovha achamuraramisa panhoo yake yourwere uye achamuponesa panhoo yake yourwere.

4. Ini ndakati, “Haiwa Jehovha, ndinzwirei ngoni; ndiporesei, nokuti ndakakutadzirai.”

Mapisarema 41