Mapisarema 37:4-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Farikana muna Jehovha, uye iye achakupa zvinodikanwa nomwoyo wako.

5. Isa nzira yako kuna Jehovha; uvimbe naye uye iye achaita izvi;

6. achaita kuti kururama kwako kupenye samambakwedza, nokururamisirwa kwako sezuva ramasikati.

7. Nyarara pamberi paJehovha, umurindire unyerere; usava neshungu kana vanhu vachibudirira panzira dzavo, pavanoita mano avo akaipa avakaronga.

8. Rega kutsamwa, uzvidzore pahasha; usava neshungu zvinokutungamirira mune zvakaipa.

9. Nokuti vasakarurama vachagurwa, asi avo vanomirira Jehovha vachagara nhaka yenyika.

10. Chinguva chidukuduku, vakaipa havachazovapozve; kunyange ukavatsvaka, havazowanikwi.

11. Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika, uye vachafarikana norugare rukuru.

12. Vakaipa vanofungira vakarurama mano akaipa, uye vanovarumanyira meno avo.

Mapisarema 37