5. Rudo rwenyu, imi Jehovha, runosvika kudenga denga, kutendeka kwenyu kunosvika kumakore.
6. Kururama kwenyu kwakaita segomo guru guru, kururamisira kwenyu sepakadzika dzika. Haiwa Jehovha, imi munochengetedza zvose munhu nemhuka.
7. Haiwa rudo rwenyu rusingatongoperi runokosha sei! Vose vakuru navaduku pakati pavanhu vanovanda mumumvuri wamapapiro enyu.
8. Vanogutswa nezvakawanda zvomumba menyu; munovanwisa kubva parwizi rwenyu runofadza.
9. Nokuti kwamuri ndiko kune chitubu choupenyu; muchiedza chenyu tinoona chiedza.