Mapisarema 36:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Shoko riri mumwoyo mangu pamusoro pokutadza kwavakaipa rinoti: Hakuna kutya Mwari pamberi pake.

2. Pamaonero ake anozvirumbidza, nokuti anozvibata kumeso kwazvo pakuona kwake, zvokuti anotadza kuona kana kuvenga chivi chake.

3. Mashoko omuromo wake akaipa uye anonyengera; haachisiri munhu akachenjera kana anoita zvakanaka.

4. Kunyange panhoo yake anofunga zvakaipa; anozvifambisa panzira yezvakaipa uye haarambi chakaipa.

Mapisarema 36