6. nzira yavo ngaisvibe uye itsvedze, mutumwa waJehovha achivateverera.
7. Sezvo vakandivanzira mimbure yavo ndisina mhosva, uye vakandicherera gomba ndisina mhosva,
8. kuparadzwa ngakuvawire pakarepo, mumbure wavakavanza ngauvapinge ivo, ngavawire mugomba ravo vaparare.
9. Ipapo mweya wangu uchafara muna Jehovha, uye uchafarira ruponeso rwake.
10. Zvandiri zvose zvichadanidzira zvichiti: “Ndianiko akaita semi, Jehovha? Munonunura varombo kubva kuna avo vane simba kupinda ravo.”