14. ndakafamba-famba ndichichema kunge ndinochemera shamwari yangu kana hama yangu. Ndakakotamisa musoro wangu ndichichema, sokunge ndinochema mai vangu.
15. Asi pandakagumburwa, vakaungana vachifara; varwi vakaungana kuzondirwisa ndisingazivi. Vakandireva vasingaregi.
16. Savanhu vasina Mwari vakandiseka muruvengo rwavo; vakandirumanyira meno avo.
17. Haiwa Jehovha, muchasvika riniko makangotarira? nunurai upenyu hwangu kubva pakuparadza kwavo, noupenyu hwangu hunokosha kubva pashumba idzi.
18. Ndichakuvongai paungano huru; ndichakurumbidzai pakati pavanhu vazhinji.
19. Ngavarege kufara pamusoro pangu avo vanondivenga ndisina mhosva; vanondivenga ndisina mhosva ngavarege kuchonyerana meso avo mukundivenga.
20. Havatauri norugare, asi vanofunga kupomera mhosva pamusoro pavanogara norunyararo munyika.