Mapisarema 34:9-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Ityai Jehovha, imi vatsvene vake, nokuti vanomutya havana chavanoshayiwa.

10. Shumba dzinopera simba uye dzinofa nenzara, asi avo vanotsvaka Jehovha havashayiwi chinhu chakanaka.

11. Uyai, vana vangu, nditeererei; ndichakudzidzisai kutya Jehovha.

12. Ani naani wenyu anoda upenyu, uye uchida kuona mazuva akawanda,

13. dzora rurimi rwako pane zvakaipa nemiromo yako pakureva nhema.

14. Ibva pane zvakaipa ugoita zvakanaka; tsvaka rugare uye urutevere.

15. Meso aJehovha ari pamusoro pavakarurama uye nzeve dzake dzinonzwa kuchema kwavo;

16. chiso chaJehovha chinovenga avo vanoita zvakaipa, kuti abvise chiyeuchidzo chavo panyika.

17. Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa; anovarwira pakutambudzika kwavo kwose.

Mapisarema 34