Mapisarema 34:17-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

17. Vakarurama vanodanidzira, uye Jehovha anovanzwa; anovarwira pakutambudzika kwavo kwose.

18. Jehovha ari pedyo navane mwoyo yakaputsika uye anoponesa avo vakapwanyika pamweya.

19. Akarurama angava namatambudziko mazhinji, asi Jehovha anomurwira paari ose;

20. anochengetedza mapfupa ake ose, hakuna nerimwe rawo richavhunika.

21. Zvakaipa zvichauraya vakaipa; vavengi vavakarurama vachapiwa mhosva.

Mapisarema 34