4. Ndisunungurei pamusungo wandakadzikirwa, nokuti imi muri utiziro hwangu.
5. Ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu; ndidzikinurei, imi Jehovha, Mwari wechokwadi.
6. Ndinovenga vanonamatira kuzvifananidzo zvisina maturo; ndinovimba naJehovha.
7. Ndichafara nokufarisisa murudo rwenyu, nokuti makaona kutambudzika kwangu mukaziva kurwadziwa kwomwoyo wangu.