Mapisarema 31:4-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. Ndisunungurei pamusungo wandakadzikirwa, nokuti imi muri utiziro hwangu.

5. Ndinoisa mweya wangu mumaoko enyu; ndidzikinurei, imi Jehovha, Mwari wechokwadi.

6. Ndinovenga vanonamatira kuzvifananidzo zvisina maturo; ndinovimba naJehovha.

7. Ndichafara nokufarisisa murudo rwenyu, nokuti makaona kutambudzika kwangu mukaziva kurwadziwa kwomwoyo wangu.

Mapisarema 31