4. Handigari navanhu vanonyengera, kana kufambidzana navanyengeri;
5. ndinovenga ungano yavaiti vezvakaipa, uye ndinoramba kugara navakaipa.
6. Ndinoshamba maoko angu ndisina mhaka, uye ndinofamba-famba paaritari yenyu, imi Jehovha,
7. ndichiparidza rumbidzo yenyu nenzwi guru, nokureva zvamabasa enyu ose anoshamisa.
8. Ndinoda imba yamunogara, imi Jehovha, nzvimbo inogara kubwinya kwenyu.
9. Regai kubatanidza mweya wangu navatadzi, noupenyu hwangu navanoteura ropa,