Mapisarema 26:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Nditongerei, imi Jehovha, nokuti ndakararama upenyu husina chahungapomerwa; ndakavimba naJehovha ndisingazungunuki.

2. Ndiedzei, imi Jehovha, ndinzverei, nzverai mwoyo wangu nendangariro dzangu;

3. nokuti rudo rwenyu rwuri pamberi pangu nguva dzose, uye ndinogara ndichifamba muzvokwadi yenyu.

4. Handigari navanhu vanonyengera, kana kufambidzana navanyengeri;

5. ndinovenga ungano yavaiti vezvakaipa, uye ndinoramba kugara navakaipa.

Mapisarema 26