Mapisarema 24:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Nyika ndeyaJehovha, nezvose zviri mairi, nyika, navose vanogaramo;

2. nokuti akaiteya pamusoro pamakungwa uye akaisimbisa pamusoro pemvura zhinji.

3. Ndianiko angakwira pachikomo chaJehovha? Ndianiko angamira panzvimbo yake tsvene?

4. Uyo ana maoko akachena nomwoyo wakanaka, asingasimudziri mwoyo wake kuzvifananidzo, kana kupika nhema.

Mapisarema 24