2. Anondivatisa pasi pamafuro manyoro, anondisesedza pamvura inozorodza,
3. anoponesa mweya wangu. Anondifambisa panzira dzakarurama nokuda kwezita rake.
4. Kunyange ndikafamba nomumupata womumvuri worufu, handingatyi zvakaipa, nokuti imi muneni; tsvimbo yenyu nomudonzvo wenyu zvinondinyaradza.
5. Munondigadzirira tafura pamberi pavavengi vangu. Munozodza musoro wangu namafuta; mukombe wangu unopfachukira.
6. Zvirokwazvo unyoro hwenyu norudo rwenyu zvichanditevera, mazuva ose oupenyu hwangu, uye ndichagara mumba maJehovha nokusingaperi.