Mapisarema 22:9-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Asi ndimi makandibudisa mudumbu; mukaita kuti ndivimbe nemi ndichiri pachipfuva chamai vangu.

10. Kubva pakuzvarwa kwangu, ndakaiswa kwamuri; kubva mudumbu ramai vangu, makanga muchingova Mwari wangu.

11. Regai kuva kure neni, nokuti dambudziko riri pedyo uye hakuna angabatsira.

12. Hando zhinji dzakandikomba; hando dzine simba dzeBhashani dzakandipoteredza.

13. Shumba dzinoomba dzichibvambura nyama, dzinondishamira miromo yadzo.

14. Ndadururwa semvura, uye mapfupa angu ose abva asvodogoka. Mwoyo wangu washanduka ukava namo; wanyungudika mukati mangu.

15. Simba rangu raoma sechaenga, uye rurimi rwangu runonamatira kumusoro kwomuromo wangu; munondiradzika muguruva rorufu.

16. Imbwa dzakandikomba; boka ravanhu vakaipa rakandipoteredza, vakabvoora maoko angu netsoka dzangu.

17. Ndinokwanisa kuverenga mapfupa angu ose; vanhu vanondinananidza uye vanofarira kutambudzika kwangu.

18. Vanogovana nguo dzangu pakati pavo vanokanda mijenya panguo yangu.

19. Asi imi, Jehovha, regai kuva kure neni; imi simba rangu, kurumidzai kundibatsira.

20. Rwirai upenyu hwangu pamunondo, ihwo upenyu hwangu hunokosha, kubva pasimba rembwa.

21. Ndinunurei pamuromo weshumba; ndiponesei panyanga dzenyati.

22. Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu; ndichakurumbidzai paungano.

23. Imi munotya Jehovha, murumbidzei! Imi mose zvizvarwa zvaJakobho, mukudzei! Mutyei, imi mose zvizvarwa zvaIsraeri!

Mapisarema 22