7. Vose vanondiona vanondiseka; vanoshamisa miromo yavo vachindituka, vachidzungudza misoro yavo vachiti,
8. “Anovimba naJehovha; Jehovha ngaamununure. Ngaamuponese, sezvo achimufarira.”
9. Asi ndimi makandibudisa mudumbu; mukaita kuti ndivimbe nemi ndichiri pachipfuva chamai vangu.
10. Kubva pakuzvarwa kwangu, ndakaiswa kwamuri; kubva mudumbu ramai vangu, makanga muchingova Mwari wangu.
11. Regai kuva kure neni, nokuti dambudziko riri pedyo uye hakuna angabatsira.
12. Hando zhinji dzakandikomba; hando dzine simba dzeBhashani dzakandipoteredza.
13. Shumba dzinoomba dzichibvambura nyama, dzinondishamira miromo yadzo.
14. Ndadururwa semvura, uye mapfupa angu ose abva asvodogoka. Mwoyo wangu washanduka ukava namo; wanyungudika mukati mangu.
15. Simba rangu raoma sechaenga, uye rurimi rwangu runonamatira kumusoro kwomuromo wangu; munondiradzika muguruva rorufu.
16. Imbwa dzakandikomba; boka ravanhu vakaipa rakandipoteredza, vakabvoora maoko angu netsoka dzangu.
17. Ndinokwanisa kuverenga mapfupa angu ose; vanhu vanondinananidza uye vanofarira kutambudzika kwangu.
18. Vanogovana nguo dzangu pakati pavo vanokanda mijenya panguo yangu.
19. Asi imi, Jehovha, regai kuva kure neni; imi simba rangu, kurumidzai kundibatsira.
20. Rwirai upenyu hwangu pamunondo, ihwo upenyu hwangu hunokosha, kubva pasimba rembwa.
21. Ndinunurei pamuromo weshumba; ndiponesei panyanga dzenyati.
22. Ndichaparidza zita renyu kuhama dzangu; ndichakurumbidzai paungano.
23. Imi munotya Jehovha, murumbidzei! Imi mose zvizvarwa zvaJakobho, mukudzei! Mutyei, imi mose zvizvarwa zvaIsraeri!