1. Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko? Sei muri kure zvakadai nokundiponesa, kure zvakadai namashoko okugomera kwangu?
2. Haiwa Mwari wangu, ndinodanidzira masikati, asi hamundipinduri, nousiku, uye handinyarari.
3. Asi imi makagadzwa saIye Mutsvene; ndimi rumbidzo yaIsraeri.
4. Madzibaba edu akavimba nemi; vakavimba, uye mukavarwira.
5. Vakachema kwamuri, vakaponeswa; vakavimba nemi uye havana kunyadziswa.
6. Asi ini ndiri honye kwete munhu, ndinozvidzwa navanhu uye ndinoshorwa namarudzi.
7. Vose vanondiona vanondiseka; vanoshamisa miromo yavo vachindituka, vachidzungudza misoro yavo vachiti,
8. “Anovimba naJehovha; Jehovha ngaamununure. Ngaamuponese, sezvo achimufarira.”
9. Asi ndimi makandibudisa mudumbu; mukaita kuti ndivimbe nemi ndichiri pachipfuva chamai vangu.
10. Kubva pakuzvarwa kwangu, ndakaiswa kwamuri; kubva mudumbu ramai vangu, makanga muchingova Mwari wangu.
11. Regai kuva kure neni, nokuti dambudziko riri pedyo uye hakuna angabatsira.
12. Hando zhinji dzakandikomba; hando dzine simba dzeBhashani dzakandipoteredza.
13. Shumba dzinoomba dzichibvambura nyama, dzinondishamira miromo yadzo.
14. Ndadururwa semvura, uye mapfupa angu ose abva asvodogoka. Mwoyo wangu washanduka ukava namo; wanyungudika mukati mangu.
15. Simba rangu raoma sechaenga, uye rurimi rwangu runonamatira kumusoro kwomuromo wangu; munondiradzika muguruva rorufu.
16. Imbwa dzakandikomba; boka ravanhu vakaipa rakandipoteredza, vakabvoora maoko angu netsoka dzangu.
17. Ndinokwanisa kuverenga mapfupa angu ose; vanhu vanondinananidza uye vanofarira kutambudzika kwangu.