Mapisarema 2:10-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. Naizvozvo, imi madzimambo, ngwarai; munyeverwe, imi vabati venyika.

11. Shumirai Jehovha nokutya, uye mufare nokudedera.

12. Tsvodai Mwanakomana, kuti arege kutsamwa mukazoparadzwa munzira yenyu, nokuti hasha dzake dzingakurumidza kumuka. Vakaropafadzwa vose vanovanda maari.

Mapisarema 2