4. Inzwi razvo rinosvika panyika yose, mashoko azvo kumagumo apasi. Mumatenga imomo, akadzika tende rezuva,
5. rakaita sechikomba chinobuda mumba, seshasha inopemberera kumhanya nhangemutange.
6. Rinobuda kuno rumwe rutivi rwedenga richitenderera kusvikira kuno rumwe rutivi; hakuna chinhu chakavanzika kubva pakupisa kwaro.
7. Murayiro waJehovha wakakwana, unomutsiridza mweya. Zvirevo zvaJehovha zvakavimbika, zvinopa njere kuna vasina mano.
8. Zvirevo zvaJehovha zvakarurama, zvinopa mufaro kumwoyo. Murayiro waJehovha unopenya, unopa chiedza kumaziso.
9. Kutya Jehovha kwakanaka, kunogara nokusingaperi. Zvakatongwa naJehovha ndezvechokwadi uye zvose zvakarurama.