Mapisarema 16:7-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

7. Ndicharumbidza Jehovha, anondipa zano; kunyange usiku mwoyo wangu unondirayira.

8. Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose. Nokuti ari kurudyi rwangu, handingatongozungunuswi.

9. Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runopururudza; muviri wanguwo uchazorora zvakanaka,

10. nokuti imi hamuzondisiyi muguva, kana kurega Mutsvene wenyu achiona kuora.

11. Makandizivisa nzira youpenyu; muchandizadza nomufaro uri pamberi penyu, nezvinofadza zvisingaperi muruoko rwenyu rworudyi.

Mapisarema 16