Mapisarema 144:14-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

14. nzombe dzedu dzichatakura mitoro inorema. Hapachazovi nokuputswa kwamasvingo, hapangavi nokuenda muutapwa, hapangavi nokuchema nenhamo munzira dzedu dzomumisha.

15. Vakaropafadzwa vanhu avo vachaitirwa saizvozvi; vakaropafadzwa vanhu avo vana Mwari wavo Jehovha.

Mapisarema 144