Mapisarema 140:9-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

9. Misoro yaavo vakandipoteredza ngaifukidzwe nenhamo yakaparwa nemiromo yavo.

10. Mazimbe anopfuta ngaawire pamusoro pavo; ngavakandwe mumoto, mumakomba amatope, vasambomukazve.

11. Vana makuhwa ngavarege kusimbiswa panyika; njodzi ngaivhime vanhu vanoita nechisimba.

12. Ndinoziva kuti Jehovha akachengetera varombo kururamisirwa kwavo, uye anotsigira vanoshayiwa pamhaka dzavo.

13. Zvirokwazvo vakarurama vacharumbidza zita renyu, uye vakarurama vachagara pamberi penyu.

Mapisarema 140