7. Haiwa Ishe Jehovha, imi mudzikinuri wangu ane simba, anofukidza musoro wangu pazuva rehondo,
8. regai kupa vakaipa zvavanoda, imi Jehovha; musarega urongwa hwavo huchibudirira, kuti varege kuzvikudza. Sera
9. Misoro yaavo vakandipoteredza ngaifukidzwe nenhamo yakaparwa nemiromo yavo.
10. Mazimbe anopfuta ngaawire pamusoro pavo; ngavakandwe mumoto, mumakomba amatope, vasambomukazve.
11. Vana makuhwa ngavarege kusimbiswa panyika; njodzi ngaivhime vanhu vanoita nechisimba.
12. Ndinoziva kuti Jehovha akachengetera varombo kururamisirwa kwavo, uye anotsigira vanoshayiwa pamhaka dzavo.
13. Zvirokwazvo vakarurama vacharumbidza zita renyu, uye vakarurama vachagara pamberi penyu.