Mapisarema 139:2-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

2. Munoziva nguva yandinogara neyandinosimuka; munonzwisisa pfungwa dzangu muri kure.

3. Munonzvera kubuda kwangu nokuvata kwangu pasi; munoziva nzira dzangu dzose.

4. Shoko risati rava parurimi rwangu, tarirai, imi Jehovha, munoriziva rose.

5. Munondikomberedza shure nemberi; makaisa ruoko rwenyu pamusoro pangu.

6. Kuziva kwakadai kunondishamisa, kwakanyanya kukwirira zvokuti handingasvikiri.

7. Ndingaendepiko ndibve paMweya wenyu? Ndingatizirepiko ndibve pamberi penyu?

8. Kana ndikakwira kumatenga, imi muriko; kana ndikawarira mubhedha wangu kwakadzika, imi muriko.

9. Kana ndikasimuka namapapiro amambakwedza, kana ndikandogara kumagumo egungwa,

10. kunyange ipapo ruoko rwenyu runondisesedza, ruoko rwenyu rworudyi runondimbundikira.

Mapisarema 139