Mapisarema 139:11-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Kana ndikati, “Zvirokwazvo rima richandivanza, uye chiedza chinondikomberedza chichava usiku kwandiri,”

12. kunyange rima haringavi rima kwamuri; usiku huchapenya samasikati, nokuti rima rakaita samasikati kwamuri.

13. Nokuti imi makasika zvomukati-kati mangu; makandiruka ndiri mudumbu ramai vangu.

14. Ndinokurumbidzai nokuti ndakaitwa nomutoo unotyisa uye unoshamisa; mabasa enyu anoshamisa, ndinonyatsozviziva kwazvo.

Mapisarema 139