1. Panzizi dzeBhabhironi takagarapo tikachema, patakarangarira Zioni.
2. Pamikonachando apo ndipo patakaturika mbira dzedu,
3. nokuti ipapo avo vakatitapa vakatikumbira nziyo, vatambudzi vedu vakatigombedzera kuti tiimbe nziyo dzomufaro, vakati, “Tiimbirei rumwe rwiyo rweZioni!”