Mapisarema 130:1-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Ndakadanidzira kwamuri Jehovha, ndiri pakadzika;

2. haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu. Nzeve dzenyu ngadzinzwe kuchemera kwangu ngoni.

3. Dai imi, iyemi Jehovha, maironda zvakaipa zvangu, haiwa Jehovha, ndianiko aimira?

4. Asi kukanganwira kuri kwamuri; naizvozvo imi munotyiwa.

5. Ndinorindira Jehovha, mweya wangu unorindira, uye tariro yangu iri mushoko rake.

6. Mweya wangu unorindira Ishe kupfuura varindi vanomirira rungwanani.

Mapisarema 130