Mapisarema 13:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Kusvikira riniko, nhai Jehovha? Muchandikanganwa nokusingaperi here? Muchasvika riniko makandivanzira chiso chenyu?

2. Ndichaita mutsimba nepfungwa dzangu kusvikira riniko, uye ndine shungu mumwoyo mangu zuva rimwe nerimwe? Muvengi wangu achandikurira kusvikira riniko?

Mapisarema 13