Mapisarema 128:3-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

3. Mukadzi wako achava somuzambiringa unobereka, pakati peimba yako; vanakomana vako vachaita samabukira omuorivhi, vakakomberedza tafura yako.

4. Ndizvo zvakaita munhu akaropafadzwa, anotya Jehovha.

5. Dai Jehovha akuropafadzai kubva kuZioni, mazuva ose oupenyu hwenyu; dai maona henyu kubudirira kweJerusarema,

6. uye mararama kuti muone vana vavana venyu. Rugare ngaruve pana Israeri.

Mapisarema 128