1. Jehovha paakadzosa vatapwa kuZioni, takanga tava savanhu vairota.
2. Miromo yedu yakanga izere nokuseka, ndimi dzedu dzizere nenziyo dzomufaro. Ipapo zvakanzi pakati pendudzi, “Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru.”
3. Jehovha atiitira zvinhu zvikuru, uye tazara nomufaro.