Mapisarema 119:82-90 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

82. Meso angu aneta nokutsvaga chivimbiso chenyu; ndinoti, “Muchandinyaradza riniko?”

83. Kunyange ndakaita sehomwe yewaini ndiri muutsi, handikanganwi mitemo yenyu.

84. Muranda wenyu acharindira kusvikira riniko? Mucharanga vatambudzi vangu riniko?

85. Vanozvikudza vakandicherera makomba, zvinopesana nomurayiro wenyu.

86. Mirayiro yenyu yose yakavimbika, ndibatsirei, nokuti vanhu vanonditambudza ndisina mhaka.

87. Vakanga voda kundibvisa panyika, asi handina kusiya zvamakatema.

88. Chengetedzai upenyu hwangu zvakafanira rudo rwenyu, uye ini ndichateerera zvirevo zvomuromo wenyu.Ramedhi

89. Haiwa Jehovha, shoko renyu rinogara nokusingaperi; rinomira rakasimba kudenga denga.

90. Kutendeka kwenyu kunoramba kuripo kusvikira kumarudzi namarudzi; makasimbisa nyika uye inogara nokusingaperi.

Mapisarema 119