Mapisarema 109:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Haiwa Mwari, imi wandinorumbidza, regai kunyarara,

2. nokuti vanhu vakaipa vanonyengera vakandishamira miromo yavo; vakataura nhema pamusoro pangu nendimi dzavo.

3. Vakandikomba namashoko okuvenga; vanorwa neni pasina mhosva.

4. Pachinzvimbo choushamwari hwangu navo, vanondipa mhosva, asi ini ndiri munhu wokunyengetera.

5. Vanonditsivira zvakaipa pane zvakanaka, uye vanondivengera ushamwari hwangu.

6. Tumai munhu akaipa kuti apikisane naye; mupomeri ngaamire kuruoko rwake rworudyi.

7. Paanotongwa, ngaawanikwe ane mhosva, uye minyengetero yake ngaimupe mhaka.

8. Mazuva ake ngaave mashoma; mumwe ngaatore nzvimbo youkuru hwake.

9. Vana vake ngavave nherera, uye mukadzi wake ave chirikadzi.

10. Vana vake ngavave vapemhi vanodzungaira; ngavadzingwe vabve mumatongo emisha yavo.

11. Waakakwereta ngaatore zvose zvaanazvo; vatorwa ngavapambe zvose zvaakashandira.

12. Ngakurege kuva neanomunzwira ngoni kana kunzwira tsitsi nherera dzake.

13. Zvizvarwa zvake ngazvirove, mazita avo adzimwe parudzi runotevera.

14. Mhosva yamadzibaba ake ngairangarirwe pamberi paJehovha; chivi chamai vake ngachirege kumbodzimwa.

15. Zvivi zvavo ngazvirambe zviri pamberi paJehovha, kuti aparadze chirangaridzo chavo panyika.

16. Nokuti haana kumbofunga kuita zvakanaka, asi akavhima varombo kusvika parufu, vanoshayiwa navane mwoyo yakaputsika.

17. Aifarira kutaura chituko, ngachichiuya pamusoro pake; iye asina kufadzwa nokuropafadza, ngakuve kure naye.

18. Aifuka kutuka senguo yake; zvakapinda mumuviri wake semvura, nomumapfupa ake samafuta.

Mapisarema 109