Mapisarema 106:41-47 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

41. Akavaisa mumaoko endudzi, uye vakatongwa navavengi vavo.

42. Vavengi vavo vakavadzvinyirira, uye vakavaisa pasi pesimba ravo.

43. Akavarwira kakawanda, asi ivo vakanga vakarerekera pakumumukira vakaparadzwa muchivi chavo.

44. Asi akatarisa kutambudzika kwavo paakanzwa kuchema kwavo;

45. akarangarira sungano yake nokuda kwavo, uye akazvidemba nokuda kworudo rwake rukuru.

46. Akaita kuti vanzwirwe tsitsi navose vakavatapa.

47. Tiponesei, imi Jehovha Mwari wedu, uye mutiunganidze kubva kundudzi, kuti tigovonga zita renyu dzvene. Tigofara mukurumbidzwa kwenyu.

Mapisarema 106