32. Vakatsamwisa Jehovha pamvura zhinji yeMeribha, uye Mozisi akaoneswa nhamo nokuda kwavo;
33. nokuti vakamukira Mweya waMwari, Mozisi akataura nehasha nomuromo wake.
34. Havana kuparadza marudzi sokurayirwa kwavakaitwa naJehovha,
35. asi vakavhengana nendudzi, vakatora tsika dzavo.
36. Vakanamata zvifananidzo zvavo, izvo zvakazova musungo kwavari.
37. Vakabayira vanakomana vavo navanasikana vavo kumadhimoni.
38. Vakateura ropa risina mhosva, iro ropa ravanakomana vavo neravanasikana vavo, vavakabayira kuzvifananidzo zveKenani, nyika ikasvibiswa neropa ravo.
39. Vakazvisvibisa nezvavakaita; vakazviitisa ufeve namabasa avo.
40. Naizvozvo Jehovha akatsamwira vanhu vake, akasema nhaka yake.
41. Akavaisa mumaoko endudzi, uye vakatongwa navavengi vavo.
42. Vavengi vavo vakavadzvinyirira, uye vakavaisa pasi pesimba ravo.
43. Akavarwira kakawanda, asi ivo vakanga vakarerekera pakumumukira vakaparadzwa muchivi chavo.
44. Asi akatarisa kutambudzika kwavo paakanzwa kuchema kwavo;
45. akarangarira sungano yake nokuda kwavo, uye akazvidemba nokuda kworudo rwake rukuru.