23. Saka akati, achavaparadza, dai Mozisi, musanangurwa wake, asina kumira pamberi pake kuti adzore hasha dzake pakuvaparadza.
24. Ipapo vakazvidza nyika inofadza; havana kutenda zvaakavimbisa.
25. Vakanyunyuta vari mumatende avo vakasateerera Jehovha.
26. Saka akapika akasimudza ruoko rwake kuti achavaparadza murenje,
27. achaparadza zvizvarwa zvavo pakati pendudzi, agovaparadzira munyika dzose.
28. Vakazvibatanidza pamwe chete naBhaari wePeori, uye vakadya zvibayiro zvakabayirwa vamwari vakafa.
29. Vakatsamwisa Jehovha namabasa avo akaipa, uye denda rikavapo pakati pavo.
30. Asi Finehasi akasimuka, akaita zvakarurama, denda rikaguma.
31. Izvozvo zvakanzi kwaari kururama kusvikira kumarudzi namarudzi nokusingaperi.
32. Vakatsamwisa Jehovha pamvura zhinji yeMeribha, uye Mozisi akaoneswa nhamo nokuda kwavo;
33. nokuti vakamukira Mweya waMwari, Mozisi akataura nehasha nomuromo wake.
34. Havana kuparadza marudzi sokurayirwa kwavakaitwa naJehovha,
35. asi vakavhengana nendudzi, vakatora tsika dzavo.
36. Vakanamata zvifananidzo zvavo, izvo zvakazova musungo kwavari.
37. Vakabayira vanakomana vavo navanasikana vavo kumadhimoni.
38. Vakateura ropa risina mhosva, iro ropa ravanakomana vavo neravanasikana vavo, vavakabayira kuzvifananidzo zveKenani, nyika ikasvibiswa neropa ravo.
39. Vakazvisvibisa nezvavakaita; vakazviitisa ufeve namabasa avo.
40. Naizvozvo Jehovha akatsamwira vanhu vake, akasema nhaka yake.
41. Akavaisa mumaoko endudzi, uye vakatongwa navavengi vavo.