15. iyo waini inofadza mwoyo womunhu, namafuta anopenyesa chiso chake, nechingwa chinosimbisa mwoyo wake.
16. Miti yaJehovha inodiridzwa zvakanaka, iyo misidhari yeRebhanoni yaakasima.
17. Shiri dzinoruka matendere adzo ipapo; dambiramurove rakaita imba yaro mumiti yomupaini.
18. Makomo marefu ndeengururu; mapako ndiwo utiziro hwembira.