Mapisarema 104:15-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

15. iyo waini inofadza mwoyo womunhu, namafuta anopenyesa chiso chake, nechingwa chinosimbisa mwoyo wake.

16. Miti yaJehovha inodiridzwa zvakanaka, iyo misidhari yeRebhanoni yaakasima.

17. Shiri dzinoruka matendere adzo ipapo; dambiramurove rakaita imba yaro mumiti yomupaini.

18. Makomo marefu ndeengururu; mapako ndiwo utiziro hwembira.

Mapisarema 104