Mapisarema 104:11-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

11. Anonwisa mhuka dzose dzesango mvura; mbizi dzinopedza nyota yadzo.

12. Shiri dzedenga dzinovaka matendere adzo pedyo nemvura; dzinorira dziri pakati pamatavi.

13. Anodiridza makomo ari padzimba dzake dzapamusoro; nyika inogutswa nezvibereko zvebasa rake.

14. Anomeresa uswa hwemombe, nembeu kuti vanhu vasakure, achibudisa zvokudya kubva pasi:

15. iyo waini inofadza mwoyo womunhu, namafuta anopenyesa chiso chake, nechingwa chinosimbisa mwoyo wake.

16. Miti yaJehovha inodiridzwa zvakanaka, iyo misidhari yeRebhanoni yaakasima.

17. Shiri dzinoruka matendere adzo ipapo; dambiramurove rakaita imba yaro mumiti yomupaini.

18. Makomo marefu ndeengururu; mapako ndiwo utiziro hwembira.

19. Mwedzi unotara nguva, uye zuva rinoziva nguva yokuvira kwaro.

20. Munouyisa rima, usiku hugovapo, uye zvikara zvose zvesango zvinobuda kundovhima.

21. Shumba dzinoomba dzichitsvaka nyama, uye dzinotsvaka zvokudya zvadzo kubva kuna Mwari.

22. Kana zuva robuda, idzo dzinoenda kure; dzinodzokera dzondovata mumapako adzo.

23. Ipapo munhu anobuda oenda kubasa rake, kumushando wake kusvikira madekwana.

24. Haiwa Jehovha, mabasa enyu manganiko! Makaaita ose nenjere; nyika izere nezvisikwa zvenyu.

25. Hero gungwa, rakakura uye rakapamhamha, rine zvisikwa zvisingagoni kuverengwa, zvipenyu zvikuru nezviduku.

26. Hezvo zvikepe zvinofamba-famba, nengwena, yamakaumba kuti itambemo.

27. Zvose izvi zvinotarira kwamuri kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva yakafanira.

Mapisarema 104