1. Rumbidza Jehovha, mweya wangu. Haiwa Jehovha Mwari wangu, muri mukuru kwazvo; makashongedzwa nokubwinya noumambo.
2. Iye anozviputira muchiedza saanozviputira nenguo; anotatamura matenga kunge tende
3. uye anogadzika matanda edzimba dzake pamusoro pemvura yadzo zhinji. Anoita makore ngoro dzake, uye anokwira pamapapiro emhepo.
4. Anoita mhepo nhume dzake, namazhenje omoto varanda vake.
5. Anoteya nyika pamusoro penheyo dzayo; haingatongozungunuswi.
6. Makaifukidza nokwakadzika somunofukidza nenguo; mvura zhinji yakamira pamusoro pamakomo.
7. Asi pakutuka kwenyu mvura zhinji yakatiza, pakunzwa mutinhiro wenyu iyo yakatiza;
8. yakayerera napamusoro pamakomo, ikadzika nomumipata, ichienda kunzvimbo yamakairayira.