Mapisarema 103:4-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

4. anodzikinura upenyu hwako kubva pagomba, uye anokushongedza korona yorudo netsitsi,

5. anogutsa zvido zvako nezvinhu zvakanaka, kuti uduku hwako huvandudzwe sohwegondo.

6. Jehovha anoita zvakarurama, uye anoruramisira vose vakadzvinyirirwa.

7. Akazivisa nzira dzake kuna Mozisi, namabasa ake kuvanhu veIsraeri:

8. Jehovha ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo.

9. Haangarambi achipomera mhosva, uye haangarambi akatsamwa nokusingaperi;

10. haatiitiri sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu.

11. Nokuti sokukwirira kwaakaita kudenga kumusoro kwenyika, ndizvo zvakaita kukura kworudo rwake kuna vanomutya;

12. sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwatiri.

13. Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo, saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya;

14. nokuti anoziva kuti takaumbwa sei, anorangarira kuti tiri guruva.

Mapisarema 103