2. Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu, uye urege kukanganwa mikomborero yake,
3. iye anokanganwira zvivi zvako zvose, uye anoporesa kurwara kwako kwose,
4. anodzikinura upenyu hwako kubva pagomba, uye anokushongedza korona yorudo netsitsi,
5. anogutsa zvido zvako nezvinhu zvakanaka, kuti uduku hwako huvandudzwe sohwegondo.
6. Jehovha anoita zvakarurama, uye anoruramisira vose vakadzvinyirirwa.
7. Akazivisa nzira dzake kuna Mozisi, namabasa ake kuvanhu veIsraeri:
8. Jehovha ane tsitsi nenyasha, anononoka kutsamwa, azere norudo.