Mapisarema 103:10-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

10. haatiitiri sezvakafanira zvivi zvedu, kana kutipa mubayiro sezvakafanira zvakaipa zvedu.

11. Nokuti sokukwirira kwaakaita kudenga kumusoro kwenyika, ndizvo zvakaita kukura kworudo rwake kuna vanomutya;

12. sokuva kure kwamabvazuva namavirira, saizvozvo akabvisa kudarika kwedu kwatiri.

13. Sokunzwira tsitsi kunoita baba vana vavo, saizvozvo Jehovha ane tsitsi pamusoro pavanomutya;

14. nokuti anoziva kuti takaumbwa sei, anorangarira kuti tiri guruva.

Mapisarema 103