Mapisarema 103:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona (BDMCS)

1. Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu; zvose zviri mukati mangu, ngazvirumbidze zita rake dzvene.

2. Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu, uye urege kukanganwa mikomborero yake,

3. iye anokanganwira zvivi zvako zvose, uye anoporesa kurwara kwako kwose,

4. anodzikinura upenyu hwako kubva pagomba, uye anokushongedza korona yorudo netsitsi,

Mapisarema 103